Numbers 32:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akatsamŋira ʋaIsraeri, akaʋadzuŋgairisa murenje makore anamakumi manna, kuȿikira rudzi rwose rwakaŋga rwatadza pamberi paJehova rwaparadzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kutsamwa kwaJehovha kwakapfuta pamusoro pavaIsraeri akavaita kuti vadzungaire murenje kwamakore makumi mana, kusvikira zera rose ravaya vakaita zvakaipa pamberi pake rapera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akashatirirwa vaIsiraeri, akaita kuti vadzungaire murenje kwamakore makumi mana, kusvikira chizvarwa chose chakanga chatadzira Tenzi chapera kufa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akatsamwira vaIsiraeri, akavadzungairisa murenje makore ana makumi mana, kusvikira rudzi rwose rwakanga rwatadza pamberi paJehovha rwaparadzwa.
Shona 2009?
Jehovha akatsamwira vaIsiraeri, akavadzungairisa murenje makore ana makumi mana, kusvikira rudzi rwose rwakanga rwatadza pamberi paJehovha rwaparadzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akatsamwira VaIsiraeri, akavadzungairisa murenje makore ana makumi mana, kusvikira rudzi rwose rwakanga rwatadza pamberi paJehovha rwaparadzwa.