Numbers 32:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino tarirai, imi makamuka panɀimbo yamadziɓaɓa enyu, ʋana caiʋo ʋaʋanhu ʋeɀiʋi, kuti muwedzere kutsamŋa kukuru kwaJehova pamsoro paIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Hezvino muri pano, imi chibereko chavatadzi, mumire panzvimbo yamadzibaba enyu muchiwedzera kutsamwa kwaJehovha kukuru pamusoro pavaIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hezvika imi magara nhaka yamadzibaba enyu, muri chizvarwa chakaipa chinotonyanya kuti Tenzi ashatirirwe vaIsiraeri zvikuru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino tarirai, imi makamuka panzvimbo yamadzibaba enyu, vana chaivo vavanhu vezvivi, kuti muwedzere kutsamwa kukuru kwaJehovha pamusoro paIsiraeri.
Shona 2009?
Zvino tarirai, imwi makamuka panzvimbo yamadzibaba enyu, vana chaivo vavanhu vezvivi, kuti muwedzere kutsamwa kukuru kwaJehovha pamusoro paIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino tarirai, imi makamuka panzvimbo yamadzibaba enyu, vana chaivo vavanhu vezvivi, kuti muwedzere kutsamwa kukuru kwaJehovha pamusoro paIsiraeri.