Numbers 32:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi isu ticaɀigadzirira kurwa, kuti tituŋgamirire ʋana ʋaIsraeri, kudzimana taʋaȿitsa kunɀimbo yaʋo; ʋana ʋeɗu ʋacagara mumaguta akakombga namaȿiŋgo nokuɗa kwaʋanhu ʋagere munyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi takagadzirira kurwa nokuenda mberi navaIsraeri kusvikira tavasvitsa kunzvimbo yavo. Pari zvino vakadzi vedu navana vedu vachagara mumaguta akakomberedzwa, kuti vadzivirirwe pavagari venyika ino.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
tozotora zvombo zvedu tichienda kuhondo navaIsiraeri, tiri mberi kusvikira tavasvitsa kunzvimbo dzichava nhaka yavo. Izvozvo vana vedu vachange vagere mumaguta akakomberedzwa netsvingo vakadzivirwa kuvanhu vomuno.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi isu tichazvigadzirira kurwa, kuti titungamirire vana vaIsiraeri, kudzimana tavasvitsa kunzvimbo yavo; vana vedu vachagara mumaguta akakombwa namasvingo nokuda kwavanhu vagere munyika.
Shona 2009?
asi isu tichazvigadzirira kurwa, kuti titungamirire vana vaIsiraeri, kudzimana tavasvitsa kunzvimbo yavo; vana vedu vachagara mumaguta akakombwa namasvingo nokuda kwavanhu vagere munyika.
Shona SUB 2002 Bible
asi isu tichazvigadzirira kurwa, kuti titungamirire vana VaIsiraeri, kudzimana tavasvitsa kunzvimbo yavo; vana vedu vachagara mumaguta akakombwa namasvingo nokuda kwavanhu vagere munyika.