Numbers 32:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi ʋaranda ʋenyu ʋacayambuka, ʋose ʋakaɀigadzirira kundorwa, kundorwa pamberi paJehova, seɀakataurwa natenzi weɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi varanda venyu, varume vose vakazvigadzirira kundorwa, vachayambuka kundorwa pamberi paJehovha sezvataurwa naishe wedu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi isu varanda venyu tichayambuka, munhu wose ane zvombo zvehondo achitungamirirwa naTenzi tichienda kuhondo sokutaura kwenyu changamire.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi varanda venyu vachayambuka, vose vakazvigadzirira kundorwa, kundorwa pamberi paJehovha, sezvakataurwa natenzi wedu.”
Shona 2009?
asi varanda venyu vachayambuka, vose vakazvigadzirira kundorwa, kundorwa pamberi paJehovha, sezvakataurwa natenzi wedu."
Shona SUB 2002 Bible
asi varanda venyu vachayambuka, vose vakazvigadzirira kundorwa, kundorwa pamberi paJehovha, sezvakataurwa natenzi wedu.”