Numbers 32:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi akaʋapa, iʋo ʋana ʋaGadi naʋana ʋaRubeni, nehafu yorudzi rwaManase, mŋanakomana waJosefa, ʋushe bgaSihoni, mambo waʋaAmori, noʋushe bgaOgi, mambo weBashani, nyika namaguta ayo nemiganho yayo, iwo maguta enyika yose yakapoteredza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mozisi akapa kuvaGadhi, navaRubheni nerudzi rwehafu rwaManase, mwanakomana waJosefa, umambo hwaSihoni mambo wavaAmori noumambo hwaOgi mambo weBhashani, nyika yose namaguta ayo uye nenyika dzose dzakavapoteredza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka Mosesi akapa vedzinza rokwaGadhi nevedzinza rokwaRubheni nechikamu chapakati napakati chevedzinza raManase mwanakomana waJosefi, nyika yaSihoni mambo wavaAmori, nenyika yaOgu mambo wavaBhashani. Akavapa nyika iyoyo namaguta ayo ose nemiganho yacho, kunyange namaguta ose ari munharaunda macho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akavapa, ivo vana vaGadhi navana vaRubheni, nehafu yorudzi rwaManase, mwanakomana waJosefa, ushe hwaSihoni, mambo wavaAmori, noushe hwaOgi, mambo weBhashani, nyika namaguta ayo nemiganhu yayo, iwo maguta enyika yose yakapoteredza.
Shona 2009?
Zvino Mozisi akavapa, ivo vana vaGadhi navana vaRubheni, nehafu yorudzi rwaManase, mwanakomana waJosefa, ushe hwaSihoni, mambo wavaAmori, noushe hwaOgi, mambo weBhashani, nyika namaguta ayo nemiganhu yayo, iwo maguta enyika yose yakapoteredza.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akavapa, ivo vana vaGadhi navana vaRubheni, nehafu yorudzi rwaManase, mwanakomana waJosefa, ushe hwaSihoni, mambo wavaAmori, noushe hwaOgi, mambo weBhashani, nyika namaguta ayo nemiganhu yayo, iwo maguta enyika yose yakapoteredza.