Numbers 32:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ʋakati ʋakwira kumupata weEshkori, ʋakaʋona nyika, ʋakaʋodza mŋoyo yaʋana ʋaIsraeri, kuti ʋarege kupinda munyika yaʋakaŋga ʋapiwa naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwokukwira kwavo kuMupata weEshikori vakandoona nyika, vakaodza mwoyo yavaIsraeri kuti varege kupinda munyika yavakanga vapiwa naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakandosvika kumapani eEshikoru vakaona nyika iyoyo, dzokei vooresa mwoyo yavaIsiraeri kuti varege kuyambukira kunyika yavakanga vapiwa naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti vakati vakwira kumupata weEshikori, vakaona nyika, vakaodza mwoyo yavana vaIsiraeri, kuti varege kupinda munyika yavakanga vapiwa naJehovha.
Shona 2009?
Nokuti vakati vakwira kumupata weEshikori, vakaona nyika, vakaodza moyo yavana vaIsiraeri, kuti varege kupinda munyika yavakanga vapiwa naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti vakati vakwira kumupata weEshikori, vakaona nyika, vakaodza mwoyo yavana VaIsiraeri, kuti varege kupinda munyika yavakanga vapiwa naJehovha.