Numbers 34:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akaraira ʋana ʋaIsraeri, akati: Ndiyo nyika yamucapiwa nemijenya iʋe nhaka yenyu, yakarairwa naJehova kuti ipiwe marudzi mapfumbamŋe nehafu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akarayira vaIsraeri akati, “Goverai nyika iyi nomujenya wenhaka yenyu. Jehovha akarayira kuti ipiwe kumarudzi mapfumbamwe nehafu,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akaudza vaIsiraeri kuti, “Iyoyi ndiyo nyika yenhaka yenyu yamuchagovana nechin'ange sekutemwa kwayakaitwa naTenzi, ichipiwa madzinza mapfumbamwe nechikamu chapakati napakati cherimwe dzinza
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akaraira vana vaIsiraeri, akati, “Ndiyo nyika yamuchapiwa nemijenya ive nhaka yenyu, yakarairwa naJehovha kuti ipiwe marudzi mapfumbamwe nehafu;
Shona 2009?
Mozisi akaraira vana vaIsiraeri, akati, "Ndiyo nyika yamuchapiwa nemijenya ive nhaka yenyu, yakarairwa naJehovha kuti ipiwe marudzi mapfumbamwe nehafu;
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akaraira vana VaIsiraeri, akati, “Ndiyo nyika yamuchapiwa nemijenya ive nhaka yenyu, yakarairwa naJehovha kuti ipiwe marudzi mapfumbamwe nehafu;