Numbers 35:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana aciŋge amuroʋa nenhumbi yeɗare, akafa, waʋa muʋurayi; ɀino muʋurayi unofanira kuʋurawa ɀirokwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana munhu akarova mumwe nesimbi akafa, iye imhondi; mhondi ichafanira kuurayiwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi kana munhu akarova mumwe nechinhu chesimbi akafa, imhondi. Mhondi inofanira kutoti iuraiwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana achinge amurova nenhumbi yedare, akafa, wava muurayi; zvino muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
Shona 2009?
Asi kana achinge amurova nenhumbi yedare, akafa, wava muurayi; zvino muurayi anofanira kuurawa zvirokwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kana achinge amurova nenhumbi yedare, akafa, wava muurayi; zvino muurayi anofanira kuurayiwa zvirokwazvo.