Numbers 35:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kana ɀimŋe akamuroʋa noruʋoko, acimuʋeŋga, akafa, wakamuroʋa unofanira kuʋurawa ɀirokwaɀo; muʋurayi; mutsiʋi weropa, unofanira kuʋuraya muʋurayi, kana akasoŋgana naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye kana akamurova nechibhakera achimuvenga munhu uyo akafa, munhu iyeye anofanira kuurayiwa; munhu iyeye imhondi. Mutsivi weropa achauraya mhondi iyo paanosangana naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kana kuti akamurova nechibhakera achizviita pamusana poruvengo akafa, nyakumurova uya ngaaurayiwe, imhondi. Hama yomufi ine basa rokutsiva ropa romufi, ikangosangana nemhondi yacho ngaaiuraye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kana zvimwe akamurova noruoko, achimuvenga, akafa, wakamurova anofanira kuurawa zvirokwazvo; muurayi; mutsivi weropa, anofanira kuuraya muurayi, kana akasangana naye.
Shona 2009?
kana zvimwe akamurova noruoko, achimuvenga, akafa, wakamurova anofanira kuurawa zvirokwazvo, muurayi; mutsivi weropa, anofanira kuuraya muurayi, kana akasangana naye.
Shona SUB 2002 Bible
kana zvimwe akamurova noruoko, achimuvenga, akafa, wakamurova anofanira kuurayiwa zvirokwazvo; muurayi; mutsivi weropa, anofanira kuuraya muurayi, kana akasangana naye.