Numbers 35:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ʋuŋgano inofanira kurwira muʋurayi paruʋoko rwomutsiʋi weropa, ʋuŋgano igomudzosera kuguta rake roʋutiziro, kwaakaŋga atizira; ɀino iye unofanira kugara’mo kuȿikira muprista mukuru afa, iye wakazodzwa namafuta matȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ungano inofanira kudzivirira munhu anopomerwa umhondi kubva pamutsivi weropa uye vachamudzosera kuguta routiziro uko kwaakanga atizira. Anofanira kugara ikoko kusvikira muprista mukuru afa, uyo akanga akazodzwa namafuta matsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Dare ngarinunure nyakuuraya munhu mumaoko anyakuda kutsiva ropa romufi, ngarimudzosere kuguta rake rokupotera kwaakanga atizira. Nyakuuraya munhu uya ngaagaremo kusvikira rufu rwomupristi mukuru akazodzwa namafuta anoera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ungano inofanira kurwira muurayi paruoko rwomutsivi weropa, ungano igomudzosera kuguta rake routiziro, kwaakanga atizira; zvino iye anofanira kugaramo kusvikira mupristi mukuru afa, iye wakazodzwa namafuta matsvene.
Shona 2009?
Ipapo ungano inofanira kurwira muurayi paruoko rwomutsivi weropa, ungano igomudzosera kuguta rake routiziro, kwaakanga atizira; zvino iye anofanira kugaramo kusvikira muprista mukuru afa, iye wakazodzwa namafuta matsvene.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ungano inofanira kurwira muurayi paruoko rwomutsivi weropa, ungano igomudzosera kuguta rake routiziro, kwaakanga atizira; zvino iye anofanira kugaramo kusvikira mupristi mukuru afa, iye wakazodzwa namafuta matsvene.