Numbers 35:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti waifanira kugara muguta rake roʋutiziro kuȿikira muprista mukuru afa; asi kana muprista mukuru afa, muʋurayi unofanira kudzokera kunyika yake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muurayi anofanira kugara muguta rake routiziro kusvikira pakufa kwomuprista mukuru; anofanira kudzokera chete kunzvimbo yake kana muprista mukuru afa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvi zvinonzarwo nokuti nyakuuraya munhu iyeyo angadai akagara muguta rake rokupotera kusvikira mupristi mukuru afa. Kana mupristi mukuru afa ndipo paaizokwanisa zvake kudzokera kumusha kwake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti waifanira kugara muguta rake routiziro kusvikira mupristi mukuru afa; asi kana mupristi mukuru afa, muurayi anofanira kudzokera kunyika yake.
Shona 2009?
nokuti waifanira kugara muguta rake routiziro kusvikira muprista mukuru afa; asi kana muprista mukuru afa, muurayi anofanira kudzokera kunyika yake.
Shona SUB 2002 Bible
nokuti waifanira kugara muguta rake routiziro kusvikira mupristi mukuru afa; asi kana mupristi mukuru afa, muurayi anofanira kudzokera kunyika yake.