Numbers 35:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munofanira kuyera kunze kweguta, kurutiʋi rwokumabvazuʋa makubiti aneɀuru ɀiʋiri, nokurutiʋi rwezasi makubiti aneɀuru ɀiʋiri, nokurutiʋi rwokumsoro makubiti aneɀuru ɀiʋiri, guta riri pakati. Ndirwo runofanira kuʋa ruwa rwamaguta aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyere makubhiti zviuru zvivirib nechokunze kweguta, kurutivi rwokumabvazuva, kurutivi rwezasi uyere makubhiti zviuru zviviri, uye kurutivi rwokumavirira makubhiti zviuru zviviri, uye nechokumusoro, makubhiti zviuru zviviri, guta riri pakati. Nzvimbo iyi ichava mafuro amaguta.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kumabvazuva kweguta, erai chinhambwe chinokwana mamita mazana mapfumbamwe. Kumaodzanyemba erai chinhambwe chinokwana mamita mazana mapfumbawe, kumadokero mamita mazana mapfumbamwe, kuchamhembe mamita mazana mapfumbamwe guta riri pakati. Ndiwo achava mafuro akapoteredza maguta avo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Munofanira kuyera kunze kweguta, kurutivi rwokumabvazuva makubhiti ane zviuru zviviri, nokurutivi rwezasi makubhiti ane zviuru zviviri, nokurutivi rwokumusoro makubhiti ane zviuru zviviri, guta riri pakati. Ndirwo runofanira kuva ruwa rwamaguta avo.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible