Numbers 35:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ari maguta amunotora panhaka dzaʋana ʋaIsraeri, kunaʋanamazhinji munofanira kutora mazhinji, kunaʋanamashoma munofanira kutora mashoma; rudzi rumŋe norumŋe runofanira kupa ʋaRevi mamŋe maguta, seɀarwakapiwa nhaka yarwo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Maguta amunopa vaRevhi kubva munyika inotorwa navaIsraeri anofanira kupiwa zvakaenzanirana nenhaka yorudzi rumwe norumwe: Utore maguta akawanda kubva kurudzi rune akawanda, asi utore mashoma kubva kurudzi rune mashoma.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana mavakupa vaRevhi maguta mumatunhu akagovaniswa vaIsiraeri, onai kuti mune vane nyika huru motorawo maguta akati wandei. Mune vane nyika diki motorawo mashoma muchivapa, zvichienderana noukuru hwenhaka yavakagoverwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ari maguta amunotora panhaka dzavana vaIsiraeri, kuna vana mazhinji munofanira kutora mazhinji, kuna vana mashoma munofanira kutora mashoma; rudzi rumwe norumwe runofanira kupa vaRevhi mamwe maguta, sezvarwakapiwa nhaka yarwo.”
Shona 2009?
Kana ari maguta amunotora panhaka dzavana vaIsiraeri, kuna vana mazhinji munofanira kutora mazhinji, kuna vana mashoma munofanira kutora mashoma; rudzi rumwe norumwe runofanira kupa vaRevhi mamwe maguta, sezvarwakapiwa nhaka yarwo."
Shona SUB 2002 Bible
Kana ari maguta amunotora panhaka dzavana VaIsiraeri, kuna vana mazhinji munofanira kutora mazhinji, kuna vana mashoma munofanira kutora mashoma; rudzi rumwe norumwe runofanira kupa vaRevhi mamwe maguta, sezvarwakapiwa nhaka yarwo.”