Numbers 36:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana iʋo ʋakawanikwa nomumŋe waʋanakomana ʋamarudzi mamŋe aʋana ʋaIsraeri, nhaka yaʋo icafanira kubviswa panhaka yamadziɓaɓa eɗu, ikawedzerwa panhaka yorudzi kwaʋanozondogara; saiɀoɀo icabviswa panhaka yatakapiwa nemijenya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ivo kana vakawanikwa navarume vanobva kuna mamwe marudzi aIsraeri, ipapo nhaka yavo ichabviswa panhaka yamadzitateguru edu ikawedzerwa kurudzi urwo rwavawanikwa narwo. Nokudaro chikamu chenhaka yakagoverwa kwatiri nemijenya chichabviswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino kana vakazoroorwa navakomana vamamwe madzinza avaIsiraeri, nhaka yavo ichazotorwa panhaka yamadzibaba edu yoendeswa kudzinza ravanenge vaenda. Ipapo tichatorerwa nhaka yamadzibaba edu yatakagoverwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana ivo vakawanikwa nomumwe wavanakomana vamarudzi mamwe avana vaIsiraeri, nhaka yavo ichafanira kubviswa panhaka yamadzibaba edu, ikawedzerwa panhaka yorudzi kwavanozondogara; saizvozvo ichabviswa panhaka yatakapiwa nemijenya.
Shona 2009?
Zvino kana ivo vakawanikwa nomumwe wavanakomana vamarudzi mamwe avana vaIsiraeri, nhaka yavo ichafanira kubviswa panhaka yamadzibaba edu, ikawedzerwa panhaka yorudzi kwavanozondogara; saizvozvo ichabviswa panhaka yatakapiwa nemijenya.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana ivo vakawanikwa nomumwe wavanakomana vamarudzi mamwe avana VaIsiraeri, nhaka yavo ichafanira kubviswa panhaka yamadzibaba edu, ikawedzerwa panhaka yorudzi kwavanozondogara; saizvozvo ichabviswa panhaka yatakapiwa nemijenya.