Numbers 36:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo hapanenhaka yaʋana ʋaIsraeri iŋgabva kunorumŋe rudzi ikaenda kunorumŋe; nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋanofanira, mumŋe nomumŋe, kunamatira nhaka yorudzi rwamadziɓaɓa aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hakuna nhaka muvaIsraeri inofanira kubva kuno rumwe rudzi ichienda kuno rumwe rudzi, nokuti muIsraeri wose anofanira kuchengeta nyika yorudzi rwake iri nhaka inobva kumadzibaba avo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo nhaka yavaIsiraeri ngairege kuzobva kune rimwe dzinza ichienda kune rimwe nokuti mumwe nomumwe wavaIsiraeri anofanira kuramba akati kwati nenhaka yamadzibaba ake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo hapana nhaka yavana vaIsiraeri ingabva kuno rumwe rudzi ikaenda kuno rumwe; nokuti vana vaIsiraeri vanofanira, mumwe nomumwe, kunamatira nhaka yorudzi rwamadzibaba avo.
Shona 2009?
Naizvozvo hapana nhaka yavana vaIsiraeri ingabva kuno rumwe rudzi ikaenda kuno rumwe; nokuti vana vaIsiraeri vanofanira, mumwe nomumwe, kunamatira nhaka yorudzi rwamadzibaba avo.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo hapana nhaka yavana VaIsiraeri ingabva kuno rumwe rudzi ikaenda kuno rumwe; nokuti vana VaIsiraeri vanofanira, mumwe nomumwe, kunamatira nhaka yorudzi rwamadzibaba avo.