Numbers 36:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋanasikana mumŋe nomumŋe unenhaka parudzi rupi norupi rwaʋana ʋaIsraeri, ŋgaawanikwe nomumŋe weimba yorudzi rwaɓaɓa ʋake, kuti ʋana ʋaIsraeri, mumŋe nomumŋe, ʋagare nhaka yamadziɓaɓa aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwanasikana mumwe nomumwe anogara nhaka yenyika murudzi rupi zvarwo rwavaIsraeri anofanira kuwanikwa nomunhu anobva muimba yorudzi rwababa vake, kuitira kuti muIsraeri wose awane nhaka yamadzibaba ake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwanasikana wose ane nhaka mudzinza ripi neripi ravaIsiraeri ngaaroorwe nomurume wemhuri yomudzinza rababa vake kuitira kuti muIsiraeri wose agare ari munhaka yamadzibaba ake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwanasikana mumwe nomumwe ane nhaka parudzi rupi norupi rwavana vaIsiraeri, ngaawanikwe nomumwe weimba yorudzi rwababa vake, kuti vana vaIsiraeri, mumwe nomumwe, vagare nhaka yamadzibaba avo.
Shona 2009?
Mwanasikana mumwe nomumwe ane nhaka parudzi rupi norupi rwavana vaIsiraeri, ngaawanikwe nomumwe weimba yorudzi rwababa vake, kuti vana vaIsiraeri, mumwe nomumwe, vagare nhaka yamadzibaba avo.
Shona SUB 2002 Bible
Mwanasikana mumwe nomumwe ane nhaka parudzi rupi norupi rwavana VaIsiraeri, ngaawanikwe nomumwe weimba yorudzi rwababa vake, kuti vana VaIsiraeri, mumwe nomumwe, vagare nhaka yamadzibaba avo.