Numbers 4:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana Aroni naʋanakomana ʋake ʋapedza kufukidza imba tȿene, nenhumbi dzose dzeimba tȿene, kana ʋuŋgano iciɗa‐kusimuka, ɀino ʋanakomana ʋaKohati ʋanofanira kuʋuya kuitakura, asi ŋgaʋarege kuɓata ɀinhu ɀitȿene, kuti ʋarege kufa. Ɀinhu iɀi ndiɀo ɀinofanira kutakurwa naʋanakomana ʋaKohati patente rokusoŋgana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mushure mokunge Aroni navanakomana vake vapedza kufukidza midziyo yose mitsvene, uye kana vava kusimuka, vaKohati ndivo vanofanira kuuya kuzotakura. Asi havafaniri kubata zvinhu zvitsvene, kuti varege kufa. VaKohati ndivo vanofanira kutakura zvinhu zviri muTende Rokusangana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana Aroni navanakomana vake vapedza kurongedza nokuputira zvose panotamiswa tendhe rinoera, vanhu vemhuri yokwaKohati vanozouya kuzotakura zvinhu zvinoera. Asi ngavarege kubata zvinhu zvinoera nokuti vangadaro vakafa. Ndiwo mabasa anoitwa navanhu vemhuri yokwaKohati mutendhe rokusanganira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana Aroni navanakomana vake vapedza kufukidza imba tsvene, nenhumbi dzose dzeimba tsvene, kana ungano ichida kusimuka, zvino vanakomana vaKohati vanofanira kuuya kuitakura, asi ngavarege kubata zvinhu zvitsvene, kuti varege kufa. Zvinhu izvi ndizvo zvinofanira kutakurwa navanakomana vaKohati patende rokusangana.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible