Numbers 4:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ƃasa raEreazari, mŋanakomana waAroni muprista, nderamafuta okuvenekesa nawo, neɀinonhuwira ɀakanaka, necipiriso coʋupfu camazuʋa ose, namafuta okuzodza nawo, nokuceŋgeta tabernakeri yose neɀose ɀiri’mo, neimba tȿene, nenhumbi dzayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ereazari mwanakomana waAroni, muprista, anofanira kuva mutariri wamafuta emwenje, zvinonhuwira, chipiriso chezviyo chamazuva ose uye namafuta okuzodza. Anofanira kuva mutariri wetabhenakeri yose nezvinhu zvose zviri mairi, kusanganisira nemidziyo yayo mitsvene.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ereazari mwanakomana womupristi Aroni, ndiye ane basa rezvemafuta okuisa mumarambi, norusenzi noupfu hwomipiro yembesanwa, namafuta okuzodzesa nezvimwe zvose zvomutendhe rinoera nemidziyo yemo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Basa raEreazari, mwanakomana waAroni mupristi, nderamafuta okuvhenekesa nawo, nezvinonhuwira zvakanaka, nechipiriso choupfu chamazuva ose, namafuta okuzodza nawo, nokuchengeta tabhenakeri yose nezvose zvirimo, neimba tsvene, nenhumbi dzayo.”
Shona 2009?
Basa raEreazari, mwanakomana waAroni muprista, nderamafuta okuvhenekesa nawo, nezvinonhuhwira zvakanaka, nechipiriso choupfu chamazuva ose, namafuta okuzodza nawo, nokuchengeta tabhenakeri yose nezvose zvirimo, neimba tsvene, nenhumbi dzayo."
Shona SUB 2002 Bible
Basa raEreazari, mwanakomana waAroni mupristi, nderamafuta okuvhenekesa nawo, nezvinonhuwira zvakanaka, nechipiriso choupfu chamazuva ose, namafuta okuzodza nawo, nokuchengeta tabhenakeri yose nezvose zvirimo, neimba tsvene, nenhumbi dzayo.”