Numbers 4:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi muʋaitire iɀi kuti ʋararame, ʋarege kufa, kana ʋacisweɗera kuɀinhu ɀitȿene‐tȿene; Aroni naʋanakomana ʋake ʋanofanira kupinda nokuʋagadza, mumŋe nomumŋe, paɓasa rake napamutoro wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kuti vararame uye varege kufa pavanoswedera pedyo nezvinhu zvitsvene, uvaitire izvi: Aroni navanakomana vake vanofanira kupinda munzvimbo tsvene vagorayira murume mumwe nomumwe basa rake nezvaanofanira kuita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino, kuti vararame varege kufa pavanouya pedyo nezvinhu zvinoera zvamuchaita kwavari ndezvizvi; Aroni navanakomana vake vachapindamo vovagovera mabasa okuita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi muvaitire izvi kuti vararame, varege kufa, kana vachiswedera kuzvinhu zvitsvene‐tsvene; Aroni navanakomana vake vanofanira kupinda nokuvagadza, mumwe nomumwe, pabasa rake napamutoro wake.
Shona 2009?
asi muvaitire izvi kuti vararame, varege kufa, kana vachiswedera kuzvinhu zvitsvene-tsvene; Aroni navanakomana vake vanofanira kupinda nokuvagadza, mumwe nomumwe, pabasa rake napamutoro wake.
Shona SUB 2002 Bible
asi muvaitire izvi kuti vararame, varege kufa, kana vachiswedera kuzvinhu zvitsvene–tsvene; Aroni navanakomana vake vanofanira kupinda nokuvagadza, mumwe nomumwe, pabasa rake napamutoro wake.