Numbers 4:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
neɀirembedzwa ɀoruʋazhe, necidzitiro comukoʋa wesuʋo roruʋazhe, ruri patabernakeri nokunhiʋi dzose dzeartari, namaɓote aɀo, nenhumbi dzaɀo dzose dzinoɓata maɓasa aɀo, neɀose ɀinoɓatwa naɀo, ndiro ɓasa raʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
zvidzitiro zvaparuvazhe runopoteredza tabhenakeri nearitari, chidzitiro chapamukova, tambo nemidziyo yose inoshandiswa pakushumira. VaGerishoni vanofanira kuita zvose zvinofanira kuitwa pakushandisa zvinhu izvi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
namachira okudzikatirisa ruvanze rwomukati metendhe rinoera, nejira rokudzikatirisa pamusuo wokupinda muruvanze mune atari, netambo dzayo, nemidziyo yose yebasa ravo. Vanofanira kuita basa rose rinodiwa pazviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nezvirembedzwa zvoruvazhe, nechidzitiro chomukova wesuo roruvazhe, ruri patabhenakeri nokunhivi dzose dzeatari, namabote azvo, nenhumbi dzazvo dzose dzinobata mabasa azvo, nezvose zvinobatwa nazvo, ndiro basa ravo.
Shona 2009?
nezvirembedzwa zvoruvazhe, nechidzitiro chomukova wesuo roruvazhe, ruri patabhenakeri nokunhivi dzose dzearitari, namabote azvo, nenhumbi dzazvo dzose dzinobata mabasa azvo, nezvose zvinobatwa nazvo, ndiro basa ravo.
Shona SUB 2002 Bible
nezvirembedzwa zvoruvazhe, nechidzitiro chomukova wesuwo roruvazhe, ruri patabhenakeri nokunhivi dzose dzeatari, namabote azvo, nenhumbi dzazvo dzose dzinobata mabasa azvo, nezvose zvinobatwa nazvo, ndiro basa ravo.