Numbers 4:27 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Maɓasa ose aʋanakomana ʋaGershoni, ɀose ɀaʋanofanira kutakura neɀaʋanofanira kuɓata, ɀinofanira kurairwa naAroni naʋanakomana ʋake; munofanira kuʋagadza paɓasa raʋo rose rokutakura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mabasa avo ose kungava kutakura kana kuita rimwe basa, zvinofanira kuitwa nokurayira kwaAroni navanakomana vake. Muchavatuma sebasa ravo zvose zvavanofanira kutakura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Basa rose richaitwa nevekwaGerishoni ibasa ravanenge vatumwa naAroni nevana vake, zvose zvavanotakura nazvose zvavanoita. Ndimi muchavapa basa rokutakura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mabasa ose avanakomana vaGeshoni, zvose zvavanofanira kutakura nezvavanofanira kubata, zvinofanira kurairwa naAroni navanakomana vake; munofanira kuvagadza pabasa ravo rose rokutakura.
Shona 2009?
Mabasa ose avanakomana vaGeshoni, zvose zvavanofanira kutakura nezvavanofanira kubata, zvinofanira kurairwa naAroni navanakomana vake; munofanira kuvagadza pabasa ravo rose rokutakura.
Shona SUB 2002 Bible
Mabasa ose avanakomana vaGeshoni, zvose zvavanofanira kutakura nezvavanofanira kubata, zvinofanira kurairwa naAroni navanakomana vake; munofanira kuvagadza pabasa ravo rose rokutakura.