Numbers 4:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nembiru dzoruʋazhe rwakapotedza, neɀigadziko ɀadzo, nembambo dzadzo dzose, namaɓote adzo, nenhumbi dzadzo dzose, neɀose ɀaʋanoɓata naɀo; unofanira kuʋatarira namazita aʋo nhumbi dzaʋanofanira kuceŋgeta pakutakura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
pamwe chete nembiru dzinopoteredza ruvazhe nehwaro hwadzo, mbambo dzetende, tambo, midziyo yavo yose uye nezvose zvinoshandiswa pamwe chete nazvo. Govera murume mumwe nomumwe zvinhu zvaanofanira kutakura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nembiru dzenhandare yose kuitenderedza nezvigadzikiro zvadzo nehoko netambo nenhumbi dzavo nezvose zvadzinoshanda nadzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nembiru dzoruvazhe rwakapotedza, nezvigadziko zvadzo, nembambo dzadzo dzose, namabote adzo, nenhumbi dzadzo dzose, nezvose zvavanobata nazvo; unofanira kuvatarira namazita avo nhumbi dzavanofanira kuchengeta pakutakura.
Shona 2009?
nembiru dzoruvazhe rwakapotedza, nezvigadziko zvadzo, nembambo dzadzo dzose, namabote adzo, nenhumbi dzadzo dzose, nezvose zvavanobata nazvo; unofanira kuvaritarira namazita avo nhumbi dzavanofanira kuchengeta pakutakura.
Shona SUB 2002 Bible
nembiru dzoruvazhe rwakapotedza, nezvigadziko zvadzo, nembambo dzadzo dzose, namabote adzo, nenhumbi dzadzo dzose, nezvose zvavanobata nazvo; unofanira kuvatarira namazita avo nhumbi dzavanofanira kuchengeta pakutakura.