Numbers 5:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ipapo murume unofanira kuʋuya nomukadzi wake kumuprista, aciʋuya ʋo necipo cake pamsoro pake, cinoti, cegumi coʋupfu bgebari; haafaniri kuɗira mafuta pamsoro pabgo, kana kuisa ɀinonhuwira pamsoro pabgo; nokuti ico cipiriso coʋupfu ceshuŋgu, cipiriso coʋupfu cokuraŋgaridza, cinoraŋgaridza ɀakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
ipapo anofanira kutora mukadzi wake agoenda naye kumuprista. Anofanira kuendawo nechipiriso chechegumi cheefaa youpfu hwebhari pachinzvimbo chake. Haafaniri kudira mafuta pamusoro pacho kana zvinonhuwira pachiri, nokuti chipiriso chezviyo cheshanje, chipiriso chechiyeuchidzo chokurangaridza mhosva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
pakadaro murume ngaaende nomukadzi wake kumupristi. Ngaauye nechibayiro chinodiwa kuti chipirwe iye cheupfu hwebhari hunorema kirogiramu rimwechete. Asi ngaarege kuisa mafuta eorivhi muupfu ihwohwo, kana kuhuisa rusenzi nokuti iwoyo mupiro wembesanwa weshanje, unoreva kuti pakaparwa mhosva inofanira kuyeukwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ipapo murume anofanira kuuya nomukadzi wake kumupristi, achiuyawo nechipo chake pamusoro pake, chinoti, chegumi choupfu hwebhari; haafaniri kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuwira pamusoro pahwo; nokuti icho chipiriso choupfu cheshungu, chipiriso choupfu chokurangaridza, chinorangaridza zvakaipa.
Shona 2009?
ipapo murume anofanira kuuya nomukadzi wake kumuprista, achiuyawo nechipo chake pamusoro pake, chinoti,chegumi choupfu bwebhari; haafaniri kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuhwira pamusoro pahwo; nokuti icho chipiriso choupfu cheshungu, chipiriso choupfu chokurangaridza, chinorangaridza zvakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
ipapo murume anofanira kuuya nomukadzi wake kumupristi, achiuyawo nechipo chake pamusoro pake, chinoti, chegumi choupfu hwebhari; haafaniri kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuwira pamusoro pahwo; nokuti icho chipiriso choupfu cheshungu, chipiriso choupfu chokurangaridza, chinorangaridza zvakaipa.