Numbers 5:30 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kana ɀimŋe murume aciŋge aɓatwa nomŋeya weshuŋgu, aneshuŋgu nomukadzi wake; ipapo unofanira kuisa mukadzi pamberi paJehova, muprista agomuitira nomurairo uyu wose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye kana murume akava neshanje nokuda kwokufungira mukadzi wake. Muprista anofanira kumumisa pamberi paJehovha agotevedza murayiro uyu wose kwaari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
uye kana murume apindwawo nomweya weshanje, oitira mukadzi wake shanje. Ngaaunze mukadzi wake pana Tenzi, mupristi aite kune mukadzi iyeyo zvose zvinorehwa nomurawo uyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kana zvimwe murume achinge abatwa nomweya weshungu, ane shungu nomukadzi wake; ipapo anofanira kuisa mukadzi pamberi paJehovha, mupristi agomuitira nomurayiro uyu wose.
Shona 2009?
kana zvimwe murume achinge abatwa nomweya weshungu, ane shungu nomukadzi wake; ipapo anofanira kuisa mukadzi pamberi paJehovha, muprista agomuitira nomurayiro uyu wose.
Shona SUB 2002 Bible
kana zvimwe murume achinge abatwa nomweya weshungu, ane shungu nomukadzi wake; ipapo anofanira kuisa mukadzi pamberi paJehovha, mupristi agomuitira nomurairo uyu wose.