Numbers 5:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu uyo asinehama, iŋgaripirwa pamsoro pemhoȿa iyo, muripo wemhoȿa, unoripirwa Jehova, unofanira kuʋa womuprista; kunze kwegondobge rokuyananisira, raanofanira kuyananisirwa naro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana munhu uyo asina hama yepedyo uyo angapiwa zviri kuripirwa mhosva, muripo uyu ndowaJehovha uye unofanira kupiwa kumuprista, pamwe chete negondohwe rokumuyananisira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana munhu anogamuchira muripo iwoyo akafa pasinawo hama yake yomumba ingaugamuchira, ngaupiwe Tenzi kuti uzoshandiswa navapristi. Muripo iwoyo ndowokuwedzera pahondohwe inourayiwa panoitwa mupiro wokuripira chitadzo chake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana munhu uyo asina hama, ingaripirwa pamusoro pemhosva iyo, muripo wemhosva, unoripirwa Jehovha, unofanira kuva womupristi; kunze kwegondohwe rokuyananisira, raanofanira kuyananisirwa naro.’
Shona 2009?
Kana munhu uyo asina hama, ingaripirwa pamusoro pemhosva iyo, muripo wemhosva, unoripirwa Jehovha, unofanira kuva womuprista, kunze kwegondobwe rokuyananisira, raanofanira kuyananisirwa naro.'
Shona SUB 2002 Bible
Kana munhu uyo asina hama, ingaripirwa pamusoro pemhosva iyo, muripo wemhosva, unoripirwa Jehovha, unofanira kuva womupristi; kunze kwegondohwe rokuyananisira, raanofanira kuyananisirwa naro.’