Numbers 6:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
muprista agoɓayira imŋe ciʋe cipiriso ceɀiʋi, neimŋe ciʋe cipiriso cinopiswa, amuyananisire ɀaakatadza nokuɗa kwowakafa, anatse musoro wake nomusi uyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muprista anofanira kupa imwe yacho sechipiriso chechivi uye imwe yacho sechipiriso chinopiswa kuti amuyananisire nokuti iye akatadza paakava pedyo nechitunha. Anofanira kunatsa musoro wake nezuva iroro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi ngaapire imwe yadzo achiita chibayiro chokupirira zvitadzo; imwe yadzo yove yechibayiro chokupisa achichenura muNaziri mukun'oreswa kwaanenge aitwa nechitunha. Pamusi iwoyo ngaaturire zvakare musoro wake kuna Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
mupristi agobayira imwe chive chipiriso chezvivi, neimwe chive chipiriso chinopiswa, amuyananisire zvaakatadza nokuda kwowakafa, anatse musoro wake nomusi uyo.
Shona 2009?
muprista agobayira imwe chive chipiriso chezvivi, neimwe chive chipiriso chinopiswa, amuyananisire zvaakatadza nokuda kowakafa, anatse musoro wake nomusi uyo.
Shona SUB 2002 Bible
mupristi agobayira imwe chive chipiriso chezvivi, neimwe chive chipiriso chinopiswa, amuyananisire zvaakatadza nokuda kwowakafa, anatse musoro wake nomusi uyo.