Numbers 6:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unofanira kutsaurira Jehova mazuʋa okuɀitsaura kwake, ndokuʋuya negwaiana regondobge regore rimŋe, ciʋe cipiriso cemhoȿa; asi mazuʋa okutaŋga haaŋgaʋereŋgwi, nokuti kuɀitsaura kwake kwakaŋga kwaȿiɓiswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Anofanira kuzvikumikidza kuna Jehovha panguva yokuzvitsaura kwake uye anofanira kuuya nomukono wegwayana regore rimwe chete sechipiriso chemhosva.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngaazvitsaurire Tenzi kwamazuva ose aakanga ati anozvitsaurira Mwari. Ngaaunze hwayana ine gore rimwechete yomupiro wokuripa mhosva. Mazuva ake aye okutanga haana basa, nokuti kuzvipira kwake kouNaziri kwakan'oreswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Anofanira kutsaurira Jehovha mazuva okuzvitsaura kwake, ndokuuya negwayana regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chemhosva; asi mazuva okutanga haangaverengwi, nokuti kuzvitsaura kwake kwakanga kwasvibiswa.
Shona 2009?
Anofanira kutsaurira Jehovha mazuva okuzvitsaura kwake, ndokuuya negwayana regondobwe regore rimwe, chive chipiriso chemhosva; asi mazuva okutanga haangaverengwi, nokuti kuzvitsaura kwake kwakanga kwasvibiswa.
Shona SUB 2002 Bible
Anofanira kutsaurira Jehovha mazuva okuzvitsaura kwake, ndokuuya negwayana regondohwe regore rimwe, chive chipiriso chemhosva; asi mazuva okutanga haangaverengwi, nokuti kuzvitsaura kwake kwakanga kwasvibiswa.