Numbers 6:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndokuʋuya negondobge ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa kunaJehova, pamŋe cete neɗeŋgu reɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa; muprista unofanira kuʋuya ʋo necipiriso caco coʋupfu, necipiriso caco cinoɗururwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Anofanira kuuyisa dengu rechingwa chisina mbiriso uye agobayira gondohwe sechipiriso chokuwadzana kuna Jehovha, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngaapire hondohwe yechibayiro chomupiro wokuwadzana kuna Tenzi netswanda yezvingwa zvisina mbiriso. Mupristi ngaapire nomupiro wembesanwa nemupiro wawo wezvokunwa kuna Tenzi,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndokuuya negondohwe chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha, pamwechete nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa; mupristi anofanira kuuyawo nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
Shona 2009?
ndokuuya negondobwe chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha, pamwechete nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa; muprista anofanira kuuyawo nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.
Shona SUB 2002 Bible
ndokuuya negondohwe chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa kuna Jehovha, pamwechete nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa; mupristi anofanira kuuyawo nechipiriso chacho choupfu, nechipiriso chacho chinodururwa.