Numbers 6:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muprista unofanira kutora ɓandauko regondobge rakaɓikwa, neciŋgwa cimŋe ciɗuku cisina‐kuʋiriswa paɗeŋgu, necimŋe ciŋgwa citete cisina‐kuʋiriswa, ndokuɀiisa pamaʋoko omuNaziri, kana iye apedza kuʋeʋura musoro wake wakatsaurwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Shure kwokunge muNaziri aveura bvudzi rokuzvikumikidza kwake, muprista anofanira kuisa mumaoko ake bandauko rakabikwa regondohwe, uye keke nechingwa chitete kubva mudengu, zvose zvakabikwa zvisina mbiriso.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana bandauko rehondohwe iya rabikwa mupristi ngaaritore pamwechete nechingwa chisina mbiriso nechingwa chitete chomutswanda chiya, ape zvose muNazari uya aveura vhudzi rake rokuzvipira kuna Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mupristi anofanira kutora bandauko regondohwe rakabikwa, nechingwa chimwe chiduku chisina kuviriswa padengu, nechimwe chingwa chitete chisina kuviriswa, ndokuzviisa pamaoko omuNaziri, kana iye apedza kuveura musoro wake wakatsaurwa.
Shona 2009?
Zvino muprista anofanira kutora bandauko regondobwe rakabikwa, nechingwa chimwe chiduku chisina kuviriswa padengu, nechimwe chingwa chitete chisina kuviriswa, ndokuzviisa pamaoko omuNaziri, kana iye apedza kuveura musoro wake wakatsaurwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mupristi anofanira kutora bandauko regondohwe rakabikwa, nechingwa chimwe chiduku chisina kuviriswa padengu, nechimwe chingwa chitete chisina kuviriswa, ndokuzviisa pamaoko omuNaziri, kana iye apedza kuveura musoro wake wakatsaurwa.