Numbers 6:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muprista unofanira kuɀizuŋguzira pamberi paJehova, ciʋe cipiriso cinozuŋguzirwa; cinhu citȿene comuprista, pamŋe cete necityu cinozuŋguzirwa, neɓandauko rinosimudzwa; ɀino muNaziri uŋganwa waini.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo muprista achazvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira; izvi zvitsvene uye ndezvomuprista, pamwe chete nechipfuva chakaninirwa uye chidya chakakumikidzwa. Shure kwaizvozvo, muNaziri anganwa hake waini.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi ngaazviite mupiro unosimudzirwa uchipirwa kuna Tenzi. Mugove unoera womupristi pamwechete nechityu chinosimudzwa nechidya chinopirwa. Kana zvose izvozvo zvapera muNazari angachinwa zvake waini.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mupristi anofanira kuzvizunguzira pamberi paJehovha, chive chipiriso chinozunguzirwa; chinhu chitsvene chomupristi, pamwechete nechityu chinozunguzirwa, nebandauko rinosimudzwa; zvino muNaziri anganwe waini.
Shona 2009?
Zvino muprista anofanira kuzvizunguzira pamberi paJehovha, chive chipiriso chinozunguzirwa; chinhu chitsvene chomuprista, pamwechete nechityu chinozunguzirwa, nebandauko rinosimudzwa; zvino muNaziri angamwe
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mupristi anofanira kuzvizunguzira pamberi paJehovha, chive chipiriso chinozunguzirwa; chinhu chitsvene chomupristi, pamwechete nechityu chinozunguzirwa, nebandauko rinosimudzwa; zvino muNaziri anganwe waini.