Numbers 6:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
unofanira kuramba waini neɀinoɓata; haafaniri kunwa vinega yewaini, kana vinega yeɀinoɓata, ʋuye haafaniri kunwa muto wemizambiriŋga, kana kudya mazambiriŋga matȿa kana akawomeswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
anofanira kusanwa waini nezvimwe zvinodhaka uye haafaniri kunwa vhiniga yakaitwa newaini kana nezvimwe zvinonwiwa zvinodhaka. Haafaniri kunwa muto wamazambiringa, kana kudya mazambiringa, kana akaomeswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ngaarege kunwa waini kana doro. Ngaarege kunwa vhiniga yakaitwa newaini kana nedoro kana kunwa muto kana kudya magirepisi manyoro kana akaomeswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
anofanira kuramba waini nezvinobata; haafaniri kunwa vhiniga yewaini, kana vhiniga yezvinobata, uye haafaniri kunwa muto wemizambiringa, kana kudya mazambiringa matsva kana akaomeswa.’
Shona 2009?
anofanira kuramba waini nezvinobata, haafaniri kumwa vhiniga yewaini, kana vhiniga yezvinobata, uye haafaniri kumwa muto wemizambiringa,kana kudya mazambiringa matsva kana akaomeswa.'
Shona SUB 2002 Bible
anofanira kuramba waini nezvinodhaka; haafaniri kunwa vhiniga yakagadzirwa kubva kuwaini, kana zvinodhaka, uye haafaniri kunwa muto wemizambiringa, kana kudya mazambiringa matsva kana akaomeswa.’