Numbers 6:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mazuʋa ose okupika kwake kuɀitsaura haafaniri kuʋeʋurwa musoro wake neciȿo; unofanira kuʋa mutȿene, nevudzi romusoro wake unofanira kurirega rireɓe, kuȿikira mazuʋa apera aakaɀitsaurira Jehova nawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Mazuva ose okupika kwake kwokuzvitsaura hapana chisvo chichashandiswa kuveura musoro wake. Anofanira kuva mutsvene kusvikira nguva yokutsaurirwa kwake kuna Jehovha yapera; anofanira kurega bvudzi romusoro wake rirebe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mazuva ose aanenge akazvipikira kuva muNaziri ngaarege kuveurwa vhudzi, kana ndebvu dzake nokuti akazviturira kuna Tenzi. Saka ngaarege vhudzi rake richireba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mazuva ose okupika kwake kuzvitsaura haafaniri kuveurwa musoro wake nechiso; anofanira kuva mutsvene, nevhudzi romusoro wake anofanira kurirega rirebe, kusvikira mazuva apera aakazvitsaurira Jehovha nawo.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible