Numbers 7:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino nomusi Mosesi waakapedza kumisa tabernakeri nawo, nokuizodza, nokuitsaura nenhumbi dzayo dzose, neartari, nemidziyo yayo yose, wakati aɀizodza nokuɀitsaura,
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akati apedza kumisa tabhenakeri, akaizodza akaitsaura pamwe chete nemidziyo yayo yose. Akazodzawo nokutsaura aritari nemidziyo yayo yose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akati apedza kumisa tendhe rinoera akarizodza akariturira kuna Mwari pamwechete nezvose zvomo akazodza akaturirawo atari nemidziyo yayo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nomusi Mosesi waakapedza kumisa tabhenakeri nawo, nokuizodza, nokuitsaura nenhumbi dzayo dzose, neatari, nemidziyo yayo yose, akati azvizodza nokuzvitsaura,
Shona 2009?
Zvino nomusi Mozisi waakapedza / kumisa tabhenakeri nawo, nokuizodza, nokuitsaura nenhumbi dzayo dzose, nearitari, nemidziyo yayo yose, akati azvizodza nokuzvitsaura,
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nomusi Mosesi waakapedza kumisa tabhenakeri nawo, nokuizodza, nokuitsaura nenhumbi dzayo dzose, neatari, nemidziyo yayo yose, akati azvizodza nokuzvitsaura,