Numbers 7:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Macinda akaʋuya neɀipo ɀokutsaurira artari nomusi wayakazodzwa nawo, macinda akaʋuya neɀipo ɀawo pamberi peartari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Aritari yakati yazodzwa, vatungamiri vakauya nezvipiriso zvavo zvokukumikidzwa kwayo vakazviisa pamberi pearitari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vatungamiriri vakauyawo nezvipo zvokupira nazvo atari kuna Mwari pazuva rayakazodzwa, vakauya nazvo kuatari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Machinda akauya nezvipo zvokutsaurira atari nomusi wayakazodzwa nawo, machinda akauya nezvipo zvawo pamberi peatari.
Shona 2009?
Machinda akauya nezvipo zvokutsaurira aritari nomusi wayakazodzwa nawo, machinda akauya nezvipo zvawo pamberi pearitari.
Shona SUB 2002 Bible
Machinda akauya nezvipo zvokutsaurira atari nomusi wayakazodzwa nawo, machinda akauya nezvipo zvawo pamberi peatari.