Numbers 7:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakaʋuya necipo cake, caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chipiriso chaakauya nacho chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, uye mbiya imwe chete yokusasa yesirivha yairema makumi manomwe amashekeri, zvose zviri zviviri zvaiva zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo, maererano neshekeri renzvimbo tsvene;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupiro wake waakapira waiva wezvizvi zvinoti: mbenge yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwouya ndiro yesirivha yairema mazana masere amagiramu, maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera, dzose dziri mbiri dzakanga dzizere noupfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta omupiro wembesanwa;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akakuya nechipo chake, chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
Shona 2009?
Akauya nechipo chake, chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
Shona SUB 2002 Bible
Akakuya nechipo chake, chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;