Numbers 7:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caNetaneri, mŋanakomana waZuari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chaiva chipiriso chaNetaneri mwanakomana waZuari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kwozoti zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu, dzine gore rimwechete. Uyu ndiwo mupiro waNataneri mwanakomana wavaZuaru.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaNetaneri, mwanakomana waZuari.
Shona 2009?
nenzombe mbiri, namakondobwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondobwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaNetaneri, mwanakomana waZuari.
Shona SUB 2002 Bible
nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaNetaneri, mwanakomana waZuari.