Numbers 7:53 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nenzombe mbiri, namakondobge mashanu, nenhoŋgo shanu dzembudzi, namakwaiana mashanu amakondobge egore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa; ndico caiʋa cipo caErishama, mŋanakomana waAmihudi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi uye makwayana makono mashanu egore rimwe chete, kuti zvizobayirwa sechipiriso chokuwadzana. Ichi ndicho chakanga chiri chipiriso chaErishama mwanakomana waAmihudhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kukati zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvinoti: nzombe mbiri nehondohwe shanu namakotora mashanu nehwayana hono shanu dzine gore rimwechete. Uyuwo ndiwo mupiro waErishama mwanakomana waAmihudhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaErishama, mwanakomana waAmihudhi.
Shona 2009?
nenzombe mbiri, namakondobwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondobwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaErishama, mwanakomana waAmihudhi.
Shona SUB 2002 Bible
nenzombe mbiri, namakondohwe mashanu, nenhongo shanu dzembudzi, namakwayana mashanu amakondohwe egore rimwe, chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa; ndicho chaiva chipo chaErishama, mwanakomana waAmihudhi.