Numbers 7:67 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cipo cake caiti: Ndiro imŋe huru yesirveri, kurema kwayo kwakaŋga kuri mashekeri anezana namakumi matatu, nomudziyo mumŋe wesirveri wamashekeri anamakumi manomŋe, ɀicienzaniswa neshekeri reimba tȿene; ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀakaŋga ɀizere noʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chipiriso chake chakanga chiri chendiro yesirivha yairema mashekeri zana namakumi matatu, nembiya yesirivha yokusasa imwe chete yairema mashekeri makumi manomwe, zvose zviri maererano neshekeri renzvimbo tsvene, zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta sechipiriso chezviyo;
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupiro wake waiva wezvizviwo zvinoti: mbenge imwechete yesirivha yairema kirogiramu rimwechete namagiramu makumi mashanu; kwouya ndiro imwechete yesirivha yairema mazana masere amagiramu namagiramu gumi maererano nomwero weshekeri romunzvimbo inoera; dzose dziri mbiri dzakanga dzizere upfu hwekoroni hwakatsetseka hwakakanyiwa namafuta hwomupiro wembesanwa;
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chipo chake chaiti: Ndiro imwe huru yesirivha, kurema kwayo kwakanga kuri mashekeri ane zana namakumi matatu, nomudziyo mumwe wesirivha wamashekeri ana makumi manomwe, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene; zvose zviri zviviri zvakanga zvizere noupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu;
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible