Numbers 7:88 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nzombe dzose dzeciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa dzakaȿika nzombe dzinamakumi maʋiri nenna, namakondobge anamakumi matanhatu, nenhoŋgo dzembudzi dzinamakumi matanhatu, namakwaiana amakondobge egore rimŋe anamakumi matanhatu. Ndico cipo cokutsaurwa kweartari, shure kwokuzodzwa kwayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uwandu hwezvipfuwo zvechibayiro chokuwadzana pamwe chete hwaiti nzombe makumi maviri neina, makondohwe makumi matanhatu, nhongo dzembudzi makumi matanhatu namakondohwe maduku egore rimwe chete makumi matanhatu. Izvi ndizvo zvakanga zviri zvipiriso zvokukumikidzwa kwearitari shure kwokuzodzwa kwayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kwochiti zvipfuwo zvose pamwechete zvechibayiro chomupiro wokuwadzana zvakaita: handira makumi maviri ane ina namakumi matanhatu ehondohwe namakotora makumi matanhatu namakumi matanhatuwo ehwayana hono dzine gore rimwechete. Iwoyu ndiwo mupiro wokuteketera atari kuna Mwari wakaunzwa iyo yazodzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nzombe dzose dzechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa dzakasvika nzombe dzina makumi maviri neina, namakondohwe ana makumi matanhatu, nenhongo dzembudzi dzina makumi matanhatu, namakwayana amakondohwe egore rimwe ana makumi matanhatu. Ndicho chipo chokutsaurwa kweatari, shure kwokuzodzwa kwayo.
Shona 2009?
nzombe dzose dzechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa dzakasvika nzombe dzina makumi maviri neina, namakondobwe ana makumi matanhatu, nenhongo dzembudzi dzina makumi matanhatu, namakwayana amakondobwe egore rimwe ana makumi matanhatu. Ndicho chipo chokutsaurwa kwearitari, shure kokuzodzwa kwayo.
Shona SUB 2002 Bible
nzombe dzose dzechibayiro chezvipiriso zvokuyananisa dzakasvika nzombe dzina makumi maviri neina, namakondohwe ana makumi matanhatu, nenhongo dzembudzi dzina makumi matanhatu, namakwayana amakondohwe egore rimwe ana makumi matanhatu. Ndicho chipo chokutsaurwa kweatari, shure kwokuzodzwa kwayo.