Numbers 7:89 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mosesi wakati apinda mutente rokusoŋgana, kuti ataure naye, akanzwa Inzwi ricitaura naye, ricibva pacifunhiro cokuyananisa, cakaŋga ciri pamsoro peareka yecipupuriro, ricibva pakati pamakerubi maʋiri: akataura naye.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akati apinda muTende Rokusangana kundotaura naJehovha, akanzwa inzwi richitaura naye richibva napakati pamakerubhi pamusoro pechifukidzo cheareka yeChipupuriro. Uye akataura naye.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi paakapinda mutendhe rokusanganira kundotaura naTenzi, akanzwa izwi raitaura kwaari richibva pahwidibiro yakanga yakakwidibira bhokisi rechitenderano, nechapakati pamakerubhu. Izwi iri rakataura kwaari iye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mosesi akati apinda mutende rokusangana, kuti ataure naye, akanzwa Izwi richitaura naye, richibva pachifunhiro chokuyananisa, chakanga chiri pamusoro peareka yechipupuriro, richibva pakati pamakerubhi maviri: akataura naye.
Shona 2009?
Zvino Mozisi akati apinda mutende rokusangana, kuti ataure naye, akanzwa inzwi richitaura naye, richibva pachifunhiro chokuyananisa, chakanga chiri pamusoro peareka yechipupuriro, richibva pakati pamakerubhi maviri: akataura naye.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mosesi akati apinda mutende rokusangana, kuti ataure naye, akanzwa Izwi richitaura naye, richibva pachifunhiro chokuyananisa, chakanga chiri pamusoro peareka yechipupuriro, richibva pakati pamakerubhi maviri: akataura naye.