Numbers 8:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaRevi ʋanofanira kuisa maʋoko aʋo pamisoro yenzombe ɗuku, iwe ugoɓayira Jehova imŋe ciʋe cipiriso ceɀiʋi, neimŋe ciʋe cipiriso cinopiswa, kuti uyananisire ʋaRevi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mushure mokunge vaRevhi vaisa maoko avo pamisoro yehando, ushandise imwe yacho sechipiriso chechivi kuna Jehovha uye imwe yacho sechipiriso chinopiswa, kuti uyananisire vaRevhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaRevhi ngavaise maoko avo pamisoro yehandira dziya. Imwe ndeyechibayiro chomupiro wokupfupira zvitadzo. Imwe yacho ichava yomupiro wokupisa inoitirwa kuchenura vaRevhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaRevhi vanofanira kuisa maoko avo pamisoro yenzombe duku, iwe ugobayira Jehovha imwe chive chipiriso chezvivi, neimwe chive chipiriso chinopiswa, kuti uyananisire vaRevhi.
Shona 2009?
Zvino vaRevhi vanofanira kuisa maoko avo pamisoro yenzombe duku, iwe ugobayira Jehovha imwe chive chipiriso chezvivi, neimwe chive chipiriso chinopiswa, kuti uyananisire vaRevhi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino vaRevhi vanofanira kuisa maoko avo pamisoro yenzombe duku, iwe ugobayira Jehovha imwe chive chipiriso chezvivi, neimwe chive chipiriso chinopiswa, kuti uyananisire vaRevhi.