Numbers 8:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti mataŋgwe ose aʋana ʋaIsraeri ndaaŋgu, kana aʋanhu, kana eɀipfuwo; ndakaɀitsaurira iwo nomusi wandakaʋuraya mataŋgwe ose munyika yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chibereko chose chokutanga chechikono muIsraeri, angava munhu kana chipfuwo, ndechangu. Pandakauraya matangwe ose muIjipiti, ndakazvitsaurira ivo kwandiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Matangwe ose mukati mavaIsiraeri ndeangu, ose avanhu neemhuka paya pandakauraya matangwe ose omuIjipiti ndipo pandakavatsaurira ini pachangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti matangwe ose avana vaIsiraeri ndaangu, kana avanhu, kana ezvipfuwo; ndakazvitsaurira iwo nomusi wandakauraya matangwe ose munyika yeIjipiti.
Shona 2009?
Nokuti matangwe ose avana vaIsiraeri ndeangu, kana evanhu kana ezvipfuwo; ndakazvitsaurira iwo nomusi wandakauraya matangwe ose munyika yeIjipiti.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti matangwe ose avana VaIsiraeri ndaangu, kana avanhu, kana ezvipfuwo; ndakazvitsaurira iwo nomusi wandakauraya matangwe ose munyika yeIjipiti.