Numbers 8:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi ʋaŋgaɓatsirana haʋo nehama dzaʋo patente rokusoŋgana, kuti ʋariceŋgete, asi ŋgaʋarege kuɓate‐ɓasa. Ndiɀo ɀaunofanira kuitira ʋaRevi pamsoro pamaɓasa aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vangabatsira havo hama dzavo kuita mabasa apaTende Rokusangana, asi ivo pachavo havafaniri kushanda basa. Zvino, izvi ndizvo zvaunofanira kurayira vaRevhi kuti vaite.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngavabatsire vamwe vavo vaRevhi kuita basa romutendhe rinoera. Asi ngavarege kuita basa iroro vari vose. Ndiwo murongero waunofanira kuita mabasa avaRevhi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi vangabatsirana havo nehama dzavo patende rokusangana, kuti varichengete, asi ngavarege kubata basa. Ndizvo zvaunofanira kuitira vaRevhi pamusoro pamabasa avo.”
Shona 2009?
asi vangabatsirana havo nehama dzavo patende rokusangana, kuti varichengete, asi ngavarege kubata basa. Ndizvo zvaunofanira kuitira vaRevhi pamusoro pamabasa avo.
Shona SUB 2002 Bible
asi vangabatsirana havo nehama dzavo patende rokusangana, kuti varichengete, asi ngavarege kubata basa. Ndizvo zvaunofanira kuitira vaRevhi pamusoro pamabasa avo.”