Numbers 8:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cigadziko cakaŋga cakaitwa kuɗai: Cakaŋga cakaitwa nendarama yakapambadzirwa; kuȿikira pasi paco napamaruʋa aco cakaŋga cakaitwa nendarama yakapambadzirwa; nomufananidzo wakakaŋga wakaratidzwa Mosesi naJehova, ndiɀo ɀaakaita cigadziko.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Aya ndiwo magadzirirwo akanga akaitwa chigadziko chomwenje: Chakanga chakaitwa negoridhe rakapambadzirwa kubva pahwaro hwacho kusvikira pamaruva acho. Chigadziko chomwenje chakanga chakagadzirwa zvakanyatsofanana nomufananidzo wakanga waratidzwa Mozisi naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chigadzikiro chomwenje ichocho chakanga chakagadzirwa sezvizvi chakanga chakagadzirwa nendarama yakapfurwa kubvira pagaro racho kusvikira kumapazi acho ose. Mosesi akaita chigadziko chomwenje ichocho achitevedzera mufananidzo waakanga aratidzwa naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chigadziko chakanga chakaitwa kudai: Chakanga chakaitwa nendarama yakapambadzirwa; kusvikira pasi pacho napamaruva acho chakanga chakaitwa nendarama yakapambadzirwa; nomufananidzo wakanga wakaratidzwa Mosesi naJehovha, ndizvo zvaakaita chigadziko.
Shona 2009?
Chigadziko chakanga chakaitwa kudai: Chakanga chakaitwa nendarama yakapambadzirwa; kusvikira pasi pacho napamaruva acho chakanga chakaitwa nendarama yakapambadzirwa; nomufananidzo wakanga wakaratidzwa Mozisi naJehovha, ndizvo zvaakaita chigadziko.
Shona SUB 2002 Bible
Chigadziko chakanga chakaitwa kudai: Chakanga chakaitwa nendarama yakapambadzirwa; kusvikira pasi pacho napamaruva acho chakanga chakaitwa nendarama yakapambadzirwa; nomufananidzo wakanga wakaratidzwa Mosesi naJehovha, ndizvo zvaakaita chigadziko.