Numbers 9:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kana munhu akanaka hake, asati ari parwendo, akasadya paseka, munhu uyo unofanira kubviswa pakati porudzi rwake; ɀaasinakupa cipo caJehova paŋguʋa yakatarwa, munhu uyo ucaʋa neɀiʋi ɀake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana munhu akachena uye asiri parwendo akakundikana kupemberera Pasika, munhu uyo anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake nokuti haana kuvigira Jehovha chipiriso panguva yakatarwa. Munhu uyo achatakura zvivi zvake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ani naani anenge asina kun'ora anenge asiri parwendo anenge arega kuchengeta Pasika atozvichekanisa ukama novokwake nokuti haana kundipa mupiro wake panguva yakatemwa, acharangirwa chitadzo chake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kana munhu akanaka hake, asati ari parwendo, akasadya Pasika, munhu iyeye unofanira kubviswa pakati porudzi rwake; zvaasina kupa chipo chaJehovha panguva yakatarwa, munhu uyo uchava nezvivi zvake.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible