Numbers 9:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ari mutorwa ugere nemi, akaɗa kudya paseka yaJehova, unofanira kuidya aciterera mutemo wepaseka, nomurairo wayo; munofanira kuʋa nomutemo mumŋe, womutorwa nomunhu wakaɓerekwa munyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Mutorwa agere pakati penyu anoda kupemberera Pasika yaJehovha anofanira kuita izvozvo maererano nemitemo nemirayiro yayo. Munofanira kuva nomutemo mumwe chete kumutorwa nokuna akaberekerwa munyika.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kana mutorwa wamugere naye akada kuchengeta zuva guru rePasika, ngaachengetewo mirao nezvirongwa zvayo zvose. Murao iwoyo ngauchengetwe nemunhu wose, muIsiraeri kana mutorwa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ari mutorwa ugere nemi, akada kudya Pasika yaJehovha, anofanira kuidya achiteerera mutemo wePasika, nomurayiro wayo; munofanira kuva nomutemo mumwe, womutorwa nomunhu wakaberekerwa munyika.”
Shona 2009?
Kana ari mutorwa ugere nemi, akada kudya Pasika yaJehovha, anofanira kuidya achiteerera mutemo wePasika, nomurayiro wayo; munofanira kuva nomutemo mumwe, womutorwa nomunhu wakaberekerwa munyika."
Shona SUB 2002 Bible
Kana ari mutorwa ugere nemi, akada kudya Pasika yaJehovha, anofanira kuidya achiteerera mutemo wePasika, nomurairo wayo; munofanira kuva nomutemo mumwe, womutorwa nomunhu wakaberekerwa munyika.”