Numbers 9:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nezuʋa regumi namanna romŋedzi uno, maɗekwana, munofanira kuitamba paŋguʋa yayo yakatarwa; munofanira kuitamba muciterera mitemo yayo yose nemirairo yayo yose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muipemberere panguva yakatarwa, panguva yorubvunzavaeni pazuva regumi namana romwedzi, maererano nemitemo yayo nemirayiro yayo yose.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Richengetei pazuva regumi nechina romwedzi uno, kubvira zuva rodoka muchitevedza mirao nezvirongwa zvaro zvose.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nezuva regumi namana romwedzi uno, madekwana, munofanira kuitamba panguva yayo yakatarwa; munofanira kuitamba muchiteerera mitemo yayo yose nemirairo yayo yose.”
Shona 2009?
Nezuva regumi namana romwedzi uno, madekwana, munofanira kuitamba panguva yayo yakatarwa; munofanira kuitamba muchiteerera mitemo yayo yose nemirairo yayo yose."
Shona SUB 2002 Bible
Nezuva regumi namana romwedzi uno, madekwana, munofanira kuitamba panguva yayo yakatarwa; munofanira kuitamba muchiteerera mitemo yayo yose nemirairo yayo yose.”