Obadiah 1:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nezuʋa ramakaŋga mumire’po makatarisana naʋo, nezuʋa raʋakatorerwa fuma yaʋo naʋatorwa, ʋasi ʋenyika iyo ʋacipinda masuʋo aʋo, ʋacikanda mijenya pamsoro peJerusarema, nemi ʋo makaŋga makaita somumŋe waʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zuva iro makamira kure, vatorwa pavakatakura pfuma yake vakaenda nayo, uye vabvakure vakapinda mumasuo ake, vakakanda mijenya pamusoro peJerusarema, iwe wakaita somumwe wavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusi uya wamakamirira kure vatorwa vachipamba upfumi hwevokwaJakobho, vatorwa vacho vachitopinda mumaguta avo, vachiitira Jerusaremu chin'ange imi maitoita somumwe wavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nezuva ramakanga mumirepo makatarisana navo, nezuva ravakatorera pfuma yavo navatorwa, vasi venyika iyo vachipinda masuo avo, vachikanda mijenya pamusoro peJerusaremu, nemiwo makanga makaita somumwe wavo.
Shona 2009?
Nezuva ramakanga mumirepo makatarisana navo, nezuva ravakatorera fuma yavo navatorwa, vasi venyika iyo vachipinda masuo avo, vachikanda mije nya pamusoro peJerusaremu, nemiwo makanga makaita somumwe wavo.
Shona SUB 2002 Bible
Nezuva ramakanga mumirepo makatarisana navo, nezuva ravakatorera pfuma yavo navatorwa, vasi venyika iyo vachipinda masuwo avo, vachikanda mijenya pamusoro peJerusaremu, nemiwo makanga makaita somumwe wavo.