Obadiah 1:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋokurutiʋi rwezasi ʋacatora gomo raEsau, ʋokumapani ʋacatora nyika yaʋaFiristia; ʋacatora nyika yaEfraimi nenyika yeSamaria; Benjamini ʋacatora nyika yeGireadi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vanobva kuNegevhi vachagara mumakomo aEsau, uye vanhu vanobva munyasi mezvikomo vachatora nyika yavaFiristia kuti ive yavo. Vachatora minda yaEfuremu pamwe chete neSamaria, kuti zvive zvavo, uye Benjamini achatora Gireadhi kuti ive yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Vanhu vokuNegevhu vachatora Gomo rokwaEsau kuriita ravo vanhuwo vokumanhika kuShefera vachitorawo nyika yavaFirisitia kuita yavo. Nyikawo yokwaEfuremu nenyikawo yeSamaria vachadzitora kuva mumaoko mavo uyewo vokwaBhenjamini vagotora havo dunhu rokwaGireadhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vokurutivi rwezasi vachatora gomo raEsau, vokumapani vachatora nyika yavaFirisitia; vachatora nyika yaEfuremu nenyika yeSamaria; Benjamini vachatora nyika yeGireadhi.
Shona 2009?
Vokurutivi rwezasi vachatora gomo raEsau, vokumapani vachatora nyika yavaFirisitia; vachatora nyika yaEfuremu nenyika yeSamaria; Benjamini vachatora nyika yeGiriyadhi.
Shona SUB 2002 Bible
Vokurutivi rwezasi vachatora gomo raEsau, vokumapani vachatora nyika yavaFirisitia; vachatora nyika yaEfuremu nenyika yeSamaria; Bhenjamini vachatora nyika yeGiriadhi.