Obadiah 1:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋatapxa ʋehondo iyi yaʋana ʋaIsraeri, ʋagere pakati paʋaKanani, ʋacatora nyika kuȿikira Zarefati; ʋatapxa ʋeJerusarema, ʋari Sefaradi, ʋacatora maguta okurutiʋi rwezasi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ungano iyi yavaIsraeri vakadzingwa vagere muKenani ichatora nyika kusvikira kuZarefati; vakadzingwa kubva muJerusarema vagere muSefaradhi vachatora maguta eNegevhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hondo yenhapwa dzokwaIsiraeri iri kuHara ichatora hayo nyika yeFonisia kusvikira kuZarifati kuita zvavo nyika yavo. Nhapwawo dzokuJerusaremu dziri kuSefaradhi dzichatorawo maguta okuNegevhu kuaita adzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vatapwa vehondo iyi yavana vaIsiraeri, vagere pakati pavaKanani, vachatora nyika kusvikira Zarefati; vatapwa veJerusaremu, vari Sefaradhi, vachatora maguta okurutivi rwezasi.
Shona 2009?
Vatapwa vehondo iyi yavana vaIsiraeri, vagere pakati pavaKanani, vachatora nyika kusvikira Zarefati; vatapwa veJerusaremu, vari Sefaradhi, vachatora maguta okurutivi rwezasi.
Shona SUB 2002 Bible
Vatapwa vehondo iyi yavana VaIsiraeri, vagere pakati pa VaKenani, vachatora nyika kusvikira Zarefati; vatapwa veJerusaremu, vari Sefaradhi, vachatora maguta okurutivi rwezasi.